Masima Musodza

Herbert Anoda Kudzoka Kumusha

‘Mwana wangu; ndiHerbert!’ akaidzira, achikakaritsa. ‘Ndange ndakoshiwa kuti zvinhambwe mbiri kubva pano. Uri kundibatirei? Ndisiye. Ndinofanira kuzarura musuo.’
‘Ndapota hangu, usachirega chichipinda,’ harawa iya yakadaro, ichibvunda.
‘Unotya mwana wako wekubereka,’ akadaro, achikakaritsa.

– W.W. Jacobs, The Monkey’s Paw

DHAYARI RATOBIAS MUTSEPESHI

18 Gumiguru 2011
Zvedhayari ndakapedzisira kuzviita ndichirikuchikoro chaiko, apo ndakazvitangira mushure mekuverenga nezvemumwe murume akararama makare kuBhuriteni ainzi Samuel Pepys. Neuduku hwangu, ndaitoona vanhu vaizorarama mazana emakore arimberi vachishandisa dhayari rangu sedura reruzivo maererano neupenyu hwanhasi. Ndakazozvirega apo dhayari rangu rakawanikidzwa nemudzidzisi weChirungu, ndokuverenga zvikamu zvaro mukirasi, zvikurusisa zvikamu zvaibata nezvemumwe musikana wandairwarira.
          Nhasi uno, kwapfuura makore makumi maviri nesere kubvira musi wandakapisa dhayari rangu, ndagara pasi kuti ndinyore rimwe. Mazuva ano, kwave nenzira dzitsva dzekuchengetedza ndangariro dzvezviitiko; Facebook, WhatsApp etc. Asi, ndatodzoka kuupasichigare hwemazuva angu pabhodhingi, tichanyora pabepa. Ruoko rwavekurwadza, rwuchasimba zvarwo; ndinofungidzira kuti ndichanyora zvakatikutu.
          Nhasi uno, muno muhofisi mangu panaitikurabhu yangu, Top Shottaz, pauya varume vaviri. Mumwe wavo chizvarwa chemuno muZimbabwe, mutikitivha wechipurisa anoona nezvevanhu vasirikuzivikanwa kuti varipi nehama dzavo, James Muramba. Wechipiri, Fr Alexandru Antonescu, mubvakure, akabva kunyika yeRomaniya, kwaanova fata wechechi yeko. Varume ava ndivo vandikomekedza kuti nditange tsika yekunyora mudhayari nemamwe mapepa, akaita sezvikamu zvemapepanhau, ayo angazove mucherechedzo wezvezuva nezuva. Vakati ivo kukosha kweizvi kwaizooneka mumazuva aitevera.
          Ndotanga nekurondedzera zvavainge vafambira, varume ava.
          Masikati akadai nemusi weChipiri, kwemaawa matatu, ndinowanzowanikwa nevanonditsvaga pano paTop Shottaz, mhiri kweChitungwiza nenzira inoenda kwaKandava. Hazvinditorere hazvo nyangwe chikamu cheawa kuongorora mafambiro ebasa pano, nekupa vashandi mirairo nemazano zvinenge zvichidiwa. Saka imwe nguva iyi ndeyekuverenga, semunhu arikuita zvidzidzo zvepamusoro zveMBA.
          Masikati anhasi, Nonku, mumwe wevasikana vanochengetedza utsanana paTop Shottaz, akagugudza musuwo, ndokupinda nevarume vaviri ava, ndokutyora mudzura, ndokubuda zvake asina zvaakataura. Takangosara takatarisana nevarume vaya. Ivo vaitsvaga masumiro avangandiite. Iniwo, ndainge ndapindwa nepfungwa yekuti aka kakange kasiri kutanga kuvaona.
          Ndakanongedza kunezvigaro zvaive zvakatarisana nedhesiki rangu. “Garai zvenyu neapa, madzishe angu,” ndakadaro. “Manga maonekwa here naNonku?”
          “A, tichangosvika hedu, VaMutsepeshi,” mumwe wevarume ava, mutema wacho, akadaro. “Tangokumbira kukuonai, saka maona taratidzwa muhofisi menyu kudai.”
          Zvaita kunge Nonku wacho akange afembera, nekuti akagugudza zvakare ndokupinda aine zvinwiwa zvakasiyana nemagirazi acho. Akazvitsveta padhesiki, ndokubuda zvake.
          “Mavaona varoora vepamusha, vanoziva kuchingamidza vashanyi” ndakadaro. “Kana mahororawo kupera kwemwedzi, mombotiwo nepano futi, zvamave kupaziva kudai! Pano ndipo pane rinotonhora. Asi, musateerere mashoko angu ekushambadza, vhurai mabhodhoro aya varume, muzvinzwire mega.”
          Fr Antonescu ndokuita seizvi, asi maoko aMuramba haana kubva padhesiki paainge aagadzika. “Aizve, asi muri vechechi here?” ndakabvunza.
          “Kwete. Ava ndivo vechechi, ndifata weChechi yeRomaniya. Ini hangu ndichatouya kupera kwemedzi kwamareva, asi ezvino ndiri pabasa. Ndiri mupurisa, ndinonzi Muramba. James Muramba. Ava ndiBaba Alexandru Antonescu.”
          Baba Antonescu vakangogutsurira musoro ndokunyemwerera. Chakandishamisa ndechekuti, vachingoisa girazi ravo pasi, vakabva vaburitsa runharembozha, ndokuisa padhesiki pangu. Ndakacherechedza kuti runharembozha urwu rwaitapa mazwi.
          “VaMutsepeshi, hatisikuda kutambisa nguva. Hazvibviri kuti nditi kwamuri musatye henyu, asi musafungidzire kuti pane mhosva yamapara. Kuuya kwataita kuno, kutsvaga rubatsiro.”
          Ndichinzwa mutikitivha uyu achitaura kudai, kana neniwo zvekunwa ndakambosendeka, ndokunyatsoteya nzeve. “Kana paine pamunofungira kuti ini hangu ndingakubetserei, zvamauya mega kudai, ini ndakatomirirawo kuzadzisa zvido zvenyu. Asi, parizvino, musati mataura nyaya yenyu, ini ndapindwa nepfungidziro yekuti hakasi kutanga kuonana nemi muri vaviri kudai.”
          “Zvirokwazvo, takamboonana hedu,” Muramba akadaro. “Takaonana pamusha penyu kwaMurehwa, parufu rwa-.”
          “-Hebert!” ndakabva ndavadimbudzira. Zvaita kunge pane azarura bako, chiedza chendangariro ndokupinda.
          Pakange pasati papfuura gore chairo kubva musi wakauya shoko rekuti Herbert Mutsepeshi, munin’ina wangu, mwana wababamudiki vangu, akange atisiya kuUK kwaaigara.
          Vese vana vababamudiki vangu vaigara kunze kwenyika. Yemurai ndiye akatanga kuenda muna2002, hanzvadzi dzake mbiri, Herbert naTofara ndokutevera muna2004 na2007. Vekupedzisira mumba umu havana kuzobudirira kuenda mhiri kwamakungwa; Ngoni akawana basa kuBhotswana uyeSiphathisiwe arikuSasafurika.
          Rufu rwaHerbert, sekutaura kwaiita anachiremba, rwakakonzerwa nechirwere cheanemiya. Nhaurirwa iyi yakatikatyamadza tose nekuti aka kaive kutanga tichinzwa kuti Herbert aive neanemiya. Nyangwe mapurisa ekuUK akanetsekana nazvowo, ndokunyatsofeya-feya, asi zvakaonekwa kuti nyangwe zvazvo yaive ninji zvomene, pakange pasina chimwe chikonzero.
          Sekurondedzera kwakaita Yemurai naTofara, Herbert akabva kuRomaniya neshamwarisikana yake, Delia, asisanzwe zvakanaka. Aiteta zuva, zvekuti akaburuka mundege akazviputirira kumeso. Delia wachowo aitozvishayirwa. Izvi zvakaitika musi wakatanga bongozozo muguta guru reRandani, rakazopararira nenyika yose, zvichitevera kupfuurwa nemapurisa kwemumwe murume wechitema, saka Herbert naDelia, Tofara nemusikana wake, Ayisha, vakaona zvirinani kuti varare zvavo kufurati kwaYemurai. Herbert akaramba kudya kwemasikati, ndokuti aida zvake kurara. Pakazoti paapaya, Delia paakati ochitarisa mumwe wake, akaona pamubhedha pasina munhu. Herbert uya akazowanikwa ari musiringi chaimo, umo maive nechadima chaicho chaaida, atofa.
          Sedangwe wedzinza rose rekwaMutsepeshi, uye semunhu akange aine zvake mari, ndaitarisirwa kuti nditsvage mari yekuunza mutumbi waHerbert kuti avigwe kuno kumusha. Asi, panguva iyi, zvainetsa nekuti mari yangu yekunze kwenyika yaichengetwa mumabhangi ari kunzekwenyika kwakare, uye zvakange zvisirinyore kuti ndiitore.
          Yemu akanditi aitonyara kuti nyangwe yendege yekuti auye kuno akange asina, asi aive neshungu yekuzondidzosera mari iyi. Kufungawo kwakadai kwakandibaya moyo; dzimwe hama dzangu dzinotoona sekodzero yadzo kuwana mari kubva kwandiri pese padzinenge dzichiida. Tofara haaikwanisa hake kuuya, nyangwe dai mari yendege yaivepo, nekuti aive chipoko kuUK kwakare.
          Sezvinei, Delia, shamwarisikana yaHerbert, akatishamisa nechipo che£5000, chaakatumira Yemurai. Delia akange apaHerbert basa rekunyora mutambo waaida kugadzirisa firimu, saka zvimwe mari iyi ndiwo waive muripo wacho. Firimu iya haina kuzogadzirwa, nyangwe iye Delia wacho haazivikanwe kuti akaenda nekupi, asi zvaifungidzirwa kuti akange abuda muUK. Yemu akashandisa chipo chaDelia ichi mukubhadhara kuti aunze mutumbi waHerbert. Ini ndakazosara ndichibatana nedzimwe hama kuti tifambise zvemariro emumwe wedu. Herbert akavigwa zvakanaka hake.
          Asi, paive nenyaya yaida kugadziriswa maererano naHerbert uyu. Akafa asina mukadzi; Delia akange asingaverengwi sezvo mhuri yedu yakange isati yasumwa nezverudo rwavo. Nyangwe dai Herbert asina kufa, rudo rwavo urwu harwaizosvika pachidano ichi chekuzivisa vabereki nekuti Delia aive mukuru kunaHerbert zvekuti hazvaibvira kuti pave netarisiro yekuti vaizoroorana. Saka Herbert uya takamuradzika negonzo, hama dzikarwadziwa kuti mumwe wedu uyu akafa asina kusiyawo mbeu.
          Vakange vasingazive nezvaRangarirai, uyo aigara nevabereki vaamai vake pedyo nepano panaitikirabhu. Mai vake, Constance, vaive mufomu yechipiri pachikoro chakadzidzisa Herbert kwetemu imwe. Aona kuti ane pamuviri, Constance akasarudza kutizira Josphat, mukomana wake aizivikanwa nechita chose, uyo aive konidhakita wemabhazi aienda kuSasafurika. Konidhakita aizviziva kuti Ranga haasi wake, asi hapana weukama waakaudza.
          Dexter aive mwana wemumwe mwana wechikoro, Modesta, uyo aive pakoreji yaive pedyo nemahofisi epepanhau pakamboshanda Herbert kwemwedzi nomwe risati ravhara. Aona kuti ave nepamuviri, Modesta akaona zvirinani kutizira mumwe mukomana wake, Teererai, mwana weshoroma, pane kuti atange nenhamo yekuva mukadzi wemunyori wengano, rombe rinoverengera kompyuta yaro chete sechinhu chinokosha charinacho panyika. Modesta aive nehanzvadzi mbiri dzaivevo neshungu dzekuva vanyori vanechiremera. Ndosaka vakuru vemutambo uyu wekuita vakomana vakawanda panguva imwe vakati, Usamire pangumbo rimwe. Zvino, amai vaTeererai vakati unonyepwa iwe, nhumbu yako ine mwedzi mingani uye Teererai wangu akadzoka rini kubva kuKanadha kwaaienda kuyunivhesiti?
          Aona musuwo wepamusha apa wakapfigwa, Modesta haana kuora moyo. Kana zvainzi haikona kumira negumbo rimwe, hazvaireva kuti mira nemaviri chete. Kana uchikwanisa, nyangwe akawanda seezongororo haarambidzwe. Mukomana wechitatu,Chiko, aive nekabhizinesi kake kekufotokopa nekutaipira vanhu matsamba avo pakomupyuta.
          Sezvinei, Modesta akawana rugare panaChiko. Mushure mekutanga kugara vese mumba yake yekuseri kuSaning’dhero, Chiko akatanga kuita mari nekukanika madhishi edzangaradzimu kuti vanhu vaone nepfenyuro vasingabhadhare vanemvumo yekufambisa nepfenyuro idzi munyika muno.
          ZvaDexter ndakaziva nazvo apo munin’ina waModesta achata nasekuru veuyo aimbove mudzimai wangu, Lindi. Ndiye akandifonera akati kumuchato waSekuru Nkosi kwauya mumwe mukomana akafanana nevana vedu.
          Ndini chete mudzinza medu aiziva nezvevanakomana ava. Ndakange ndakapfimbika ruzivo urwu, ndichiti varidzi wenyaya yacho ndivo vaifanira kusuma dzinza rekwaMutsepeshi. Zvino, Herbert wacho akatisiya. Zvirokwazvo, ndaisafanira kusiya munin’ina wangu achivigwa segonzo ndichiziva kuti aitove baba wemachinda maviri. Asi, ndizvo zvakaitika.
          Sezvinei, zvakabuda mwedzi wapfuura kuti Herbert akamitisa mumwe musikana wekumaraini kwaakakurira,Natalia Kadoro. Iyi nyaya yakatsviriridza mumapepanhau,sezvo Natalia uya akanyepera murume akazomuroora kuti nhumbu yaive yake. Murume uya, Jackson Gwitima, ndimuzvinabhizinesi anemukurumbira, kana neni ndaizivana nevakoma vake. Akarwadziwa chose paakazozviziva kuti Rhianna, uyo aive nemakore gumi nemaviri, haasi mwana wake.
          Sekurondedzerwa kwatakaitirwa nyaya yacho, Herbert naNatalia vakadanana zvekuvimbisana kuti vaizotanga yavo imba. Natalia aivewo nechido chekuva munyori.Asi, hazvaibvira kuti musikana akaita saNatalia aonekwe aine mukomana akaita saHerbert. Uyuwo Herbet aona kuti Natalia aida kuti vadanane muchihwande, akamuramba, asingazive kuti akange atove nenhumbu. Pasina nguva ipi, Herbert akange avekuUK.Natalia akazosara otorwa naJackson Gwitima.
          Svondo rapfuura, Natalia akauya kumusha kuzotiratidza Rihanna. Akaperekedzwa nehanzvadzi yake, Victor. VaKadoro ndichiremba kuUK, vanga vauya kunyika yechizvarwa pasi pechirongwa cheanachiremba naanamukoti varimhiri chekubatsira varimunzvimbo dzemuZimbabwe dzasangana nenhamo kudarika dzimwe. Babamudiki Baba vaYemurai vakasvima misodzi vachiona muzukuru wavo uyu, vakati Inga Herbert chaaidawo kuwanawo pekugara sezvinoitawo munhu wese pano panyika. Chokwadi, takamunyangadzira nekumubiningidza kwatakamuita tose. Kuti tipe Natalia mhosva yekuvanza chokwadi pamusoro pedzinza remwana wake, tinenge takanganwa kuti chita hachaimbomusiya achiroorwa naHerbert.
          Takazopedza zuva iri tichitarisa zvinhu zvaHerbert; mifananidzo, zvikamu zvemapepanhau zvaitaura nezvake kana mapeji emamagazini aive nenganopfupi dzake. Rihanna akazvipenengura zvose, semunhu aida kuziva zvizere pamusoro pababa vake.

          Nhasi uno, ndavekurondedzera nezvevana vaHerbert nekuti zvine nechekuita nevarume vaviri vauya kuzondiona ava.
          “Makauya kurufu rwaHerbert,” ndakadaro. “Bviro yamakaita pamusha pedu handina hangu kuiona.”
          “Hongu, takangobva tisina wataonekana naye,” Muramba akadaro. “Nyaya yatainge tafambira, ndiyo yatisvitsa pano zuva ranhasi. Asi, kuti tiitaure, zvave kuda kuti tiitenderedze, tozoiti nepanhova po!”
          Ndakambovatarisa, ndichiedza kuona kuti mupurisa uyu akange anangepi chaivzo.
          “Ndinotanga nafata variparutivi rwangu ava,” Muramba akaenderera mberi. “Fr Antonescu vari muboka reChechi yeRomaniya rinofeya-feya muchihwande.”
          “Rinofeya-feya muchihwande?” ndakadaro. “Zvichirevei manje?”
          “Pane zvinhu zvinoitika, zvinoda kunyatsopenengura, chokwadi chizere chonyatsobatwa, Chechi isati yataura kuruzhinji pfungwa dzayo pamusoro pezviitiko zvakadai. Zvakare, kune zvimwe zviitiko zvekuti panowanikwa chikonzero chinotuma Chechi kuti ione zviri nani kuti zvirambe zvakavanzika.”
          Handingati ndakabva ndanzwisisa kuti mutikitivha uyu aiedza kuti kudi. Asi, ndakabvunza, “Saka izvi zvinei nekufa kwaHerbert? Handiti kuRomaniya ndiko kwaakabva asinganzwe zvakanaka?”
          “Hongu, changamire,” Muramba akadaro. “Asi, chisingazivikanwe, nyangwe nevakuru veRomaniya neveUK ndezvekuti Herbert akasangana netsaona inoshamisa musango riripedyo nekadhorobha kadiki keOnisie. Hambautare yaaifambisa naHerbert yakatsauka kubva mumugwagwa, vaviri ava ndokuona mumwe murume aida kupinda muhambautare makare. Murume uya akatiza apo akaona chipiyaniso chairembera negirazi remukati…”
          “Aigotiza chipiyaniso…?”
          Muramba akaita seasina kunzwa mubvunzo uwu. “Herbert akabuda muhambautare muya, achitevera murume uya, ndokupinda musango. Kwaive nechadima, asi musango muya maive nechiedza chaingaima. Delia akamirira Herbert uya kwekanguva, ndokudzoka kukamusha kavainge vasiya kunotsvaga rubatsiro kune vagari vemo. Paakadzoka nevarume vaviri, vakapinda musango muya. Vakaona Herbert akati rapata nekanzira. Akange asina kukuvara, asi nepano pamutsipa, zvaitaridzika kunge akange abaiywa kaviri, zvingava neminzwa kana kurumwa nekapuka. Kubvira musi uyu, Herbert akatanga kusava neutanho. Aisvotwa nekuona kudya, akange asisadi kubuda panze achiti zuva raimupisa. Zvakare, ainzwa kungonetezeka kwemuviri.”
          “Zvichikonzerwa neanemiyaka?” ndakadaro. Mumoyo mangu, ndaidisisa kwazvo kuti zvinzi izvi zvaitaurwa pamusoro paHerbert zvaive zviratidzo zveurwere hweanemiya. Ndaidisisa kwazvo kuti zvinzi kudaro nekuti, nyangwe ndisati ndave kuziva kwaienda nyaya yacho, ndakange ndonzwa nyaviri.
          “Sango rakawanikwa Herbert riri munyika yaitongwa makare nedzinza rinonzi Hollókő, makambonzwa nezvaro here, VaMutsepeshe?”
          Ndakazunguza musoro. Kakusagadzikana kwehana kakatidererei zvishoma, asi hakana kuenda. Kainge kakatotambanudza maoko, kakamirira kundihwachura, kandichindipinza mugomba risingagumi.
          “Mhuri yekwaHollókő yakava nemukurumbira munhoroondo yeRomaniya, zvikurusisa mukurwira rusununguko kubva muutongi hweVaOtomani. Asi, kune vamwe vemumba umu vakadzimwa mundangariro dzeRomaniya nekuti vakava nemukurumbira wekubata-bata.”
          Kakusagadzikana kaya kakakanda mvuri zvakare.
          “Nyangwe zvavo ruzhinji rwevagari vemuRomaniya rwakasvika pakukanganwa nezveImba yaHollókő iyi,” Muramba akaenderera mberi, “Chechi yakaramba yakakanda ziso kune vese vemumba umu vachiri kurarama. Saka, pakaitika tsaona yaHerbert, Fr Antonescu ava vakabva vaziviswa nezvazvo. Asi, pakavasvika kuOnisie, vakawana Herbert naDelia vatodzokera kuUK. Pavakatevera kuUK, vakawana zvichinzi Herbert uya afa uye mutumbi wake wadzoswa kumusha. Ini manje, ndipo pandinopindawo mudarira yenyaya iyi.”
          Muramba akatura mafemo, ndokuti, “Kwakauya kuhofisi kwangu mumwe mukadzi, Mai Baloyi, achimhan’ara nezvemurume wake, Brighton, uyo asina kudzoka kumba kubva kubasa. Brighton anoshandira International Bereavement Services….”
          “Kambani inotakura zvitunha nendege!” ndakadaro. “Ndiyo kambani yakaunza mutumbi waHerbert!”
          “Ehe,” Muramba akadaro. “Brighton wacho ndiye atakatambira mutumbi waHerbert mbune. Asi, kubvira ipapo, hapana akaona kuti iye Brighton wacho akafamba sei. Mushure mazvo, mumwe murume anonzi Givecase Dzinoenda akashaikwa pamisasa yevasina pekugara panotenderwa nemitemo iri pedyo nemuzinda weInternational Bereavement Services. Dzinoenda uyu aive murume ane mhotsi…”
          “Amutikitivha, murikuda kuyedza kuti kudii chaizvo?!” ndakamudimbudzira nezwi repamusoro. “Murikuti takaviga Givecase wamurikureva uyu tichiti ndiHerbert here?”
          Muramba akambotura mafemo, ndokutarisa kune mufundisi wechechi. Fr Antonescu hapana chavakataura. Muramba ndokuti,”Hongu. Ndizvo zvamakaita.”
          “Saka murikuti Brighton Baloyi wacho ndiye akaisa mutumbi waGivecase mubhokisi raHerbert? Achizviitirei?”
          “Anga atumwa naHerbert.”
          Ndakashaya kuti zvino mutikitivha uyu airevei chaizvo. Ndakambofunga kuti zvimwe ndaitaura nemunhu anorwara nepfungwa.
          “VaMutsepeshi, munin’ina wenyu Herbert haanakufa, asi haasi mupenyu. Ave chikara chinofamba usiku, chichihwanda kana zuva rabuda. Agara nhaka yetuko yakataurwa pamusoro perimwe jinda reRomaniya neChechi yeko, rekuti ivhu haraizogashiri mutumbi wake. Herbert akarumwa nevhampaya musango pedyo nekadhorobha keOnisie. Nhasi uno, Herbert anofamba nenyika ino sevhampaya, achinwa ropa revanhu, achivatendeutsa kuva zvisikwa zvakan’ora saiye!”

19 Gumiguru 2011
Handina kumborara. Ndarava mapepa andakasirwa naMutikitivha Muramba naBaba Antonescu. Chikamu chimwe, kana chakamira choga, hachiratidze sechinenechekuita nenyaya inotyisa yavakandipira, varume vaviri ava. Rufu rwaHerbert kuUK.Kutsakatika kwemurume anonziBrighton Baloyi paInternational Bereavement Services usiku hwakauya Herbert. Kusada kudzoka kubasa kwemurume airinda pagedhi, achiti pane munhu anemeso aipenya akamudongorera nepahwindo repakatumba kake. Kutsakatika kwevanhu vakawanda, kuchitanga Givecase Dzinoenda. Vamwe vacho vachiwanikwa, vavekuratidza urwere unenge anemiya. Waiti ukabatanidza nhaurirwa dzese idzi, nyangwe uri munhu anozviona sewechizvino, asingatenderi munezvenyikadzimu, waitoona chete pane ninji rinotyisa. Nyangwe nyowedzo yemwana waNatalia yakaitika panguva imwechete apo vagari vemusha wemakorokoza vakatanga kuratidza urwere hwenaemiya.
          Muramba naBaba Antonescu vakavanefungidziro yekuti Herbert akatuma Victor Kadoro, hanzvadzi yaNatalia, kuRomaniya kunodana vhampaya guru rekwaHollókő. Saka, vari vaviri kudai, vakarinda nhandare dzendege, nepose pangashandiswe mukupinda munyika muno. Vari kuongorora nhaurirwa dzevanhu vasirikuzivikanwa nehama dzavo kuti varipi, nedzevanhu vanoratidza urwere unenge anemiya. Hazvaiita kuti vatsvage vamwe vangavabatsire kufambisa basa iri. Hazviite kuti vanhu vanoziva kuti munyika muno munechivhampaya chirikutsvaga pekuwaridza vawande. Sekurondedzera kunoita mapepa andakasirwa naMuramba naAntonescu, vhampaya guru rinonzi Hollókő rakasangana nemhedzisiro yaro musi wa4 Gumiguru 2011.
          Asi Herbert here? Shuwa, ndiyo ingava mhedzisiro yake here, yekuva chikara chinofamba nenyika chichitsvaga vanhu vekusveta ropa kunge umhutu? Ndikafunga kuriro yake so, inorwadza.
          Herbert aive mukomana aneuchenjeri. Asi, shungu dzake dzaive pakuva munyori. Zvino, shungu dzakadaro dzaisawirirana netsika nemagariro eZimbabwe yekuma1990. Vabereki vashoma vainzwisisa kuti kunyora dzingava nganopfupi, mitambo nezvimwe kungatova kushava kwakangofanana nekuvamanija, mabharani, gweta nemamwe mabasa anoyemurika uye anotoda kuti munhu udzidziswe mafambisiro awo. Zvimwe pfungwa idzi dzaibvira pakuti hapana mumhuri medu kana dzevamwe vemunharaunda akange amboriita basa iri. Yeukai kuti vabereki vedu pavaikura, munhu mutema ainzi anebasa repamusoro aive mudzidzisi kana mukoti. Zvimwe zvese izvi zvakatikuuya. Saka, vana vaiti vanoda kuita zvekunyora, kuimba, kuva mutambi wemafirimu nezvimwe zvakadaro vaitoonekwa sevarasa gwara, vasarudza urombe neunzenza. Pamusoro peizvi, Herbert akatanga kuteedzera chinamato cheRastafarianism, chinoshorwawo sechiratidzo chekuvandururani kunenge kwaita mwana.
          Ndichitarisa makuriro ake, kuenda kunogara kuUK kwakatove nani, pane kushingirira nekudzungaira kwaaita munyika yechizvarwa, isina paaikwanawo. Asi, handiwo madzokero ataitarisira tose, ekudzoka ave chikara chinofamba usiku, chivhampaya! Zvino ndizvo zvazvinoreva here kana vakuru vachinyunyuta vachiti vana vakaenda mhiri kwamakungwa vanodzoka vasisiri vanhu?

27 Gumiguru 2011
Nhasi uno, ndaroverwa runhare naSekuru Tirivashe. Kwakagarwa dare kumusha, vakabvumirana kuti guva raHerbert rirohwe munaNyamavhuvhu anotevera. Izvi zvakandikatyamadza; KwaMutsepeshe, zvemakuva takapedzisira kuzviita ndichiripwere, ndisati ndatanga kupinda chikoro. Ndiani akange auya nepfungwa iyi? Sekuru Tirivashe vati iye Natalia ndiye akange akumbira kuti rirohwe, kuitira zvainetsa mwana. Asi, Mainini Mai Yemurai vainzi vakange votiwo vaida kuti mwana wavo amuke achengete mwana wake. Babamunini Baba vaYemurai vanenge vasirikuda, asi vakurirwa nemudzimai wavo.
          Ndaitahurukuro kwenguva refu naYemurai naTofara. Kana naivo, zvavashamisa kuti tingamutsiridze tsika yavasati vamboona mumhuri medu. Asi, varikuzvitambira sedanho ringatorwe nemhuri ichiri kurwadziwa nerufu rwaHerbert. Zvimwe ndiwo matangiro akaita zvekurova makuva- vanhu vakarwadziwa nekurasikirwa nemudiwa wavo, ndokufunga zvirango zvekumuti adzoke ave pakati pavo zvakare. Yemurai aida kuvepo pakurohwa kweguva rehanzvadzi yake. Zvaireva kuti aifanira kutanga kuchengetedza mari yekutenga tiketi rendege pachine nguva kudai.

30 Gumiguru 2011
Nhasi, ndapfuura nepamba paNatalia kuAvhurundeya. Hapana munhu, pakapfigwa. Ndabvunza vavakidzani vakatiwandei. Patove nemasvondo maviri kubvira Natalia naRhianna vapedzisira kuonekwa nevavakidzani vavo. Ndaenda kunobvunza kuchikoro. Rhianna akange ave nenguva asingaende kuchikoro, zvekuti mukuru wepachikoro ainetsekana kwazvo. Ndakarovera Muramba runhare. Mutikitivha uyu nafata weChechi yeRoma vaive kumaruwa, kune imwe nzvimbo yavaifungidzira kuti Herbert ainge apotera.
Ndabva kuchikoro kwaRhianna, ndapfuura nepamba paNatalia zvakare. Ndatarisa gedhi racho kwekanguva, ndichiedza kufunga kuti ndiani angandiudze kuti mai nemwana vaivepi.

3 Mbudzi 2011
Mutikitivha Muramba naBaba Antonescu vauya kuhofisi kwangu paTop Shottaz nhasi uno. Ndipo pandavarondedzera nezveurongwa hwekurohwa kweguva raHerbert. “Zvinoita here, imo muguva racho muine munhu asiriye?” Muramba akabvunza.
          “Zvichikona nei?” ndakapindura. “Isu tinenge tichidana Herbert wedu kubva kwaanenge ari. Kana paine zvaanenge asiri kufarira maererano ne…”
          Panguva iyi, kuitira kamuchina kekutapa mazwi kaBaba Antonescu, Muramba aiturikira neChirungu. Ndakaona chiso chemufundisi chichipera ropa, chikasara chave pfumbu. Muramba akabva agutsurira musoro zvishoma, kunge akabva aziva zvaityisa mumwe wake. “VaMutsepeshi, mati ndiani chaizvo arikukurudzira kuti guva raHerbert rirohwe?”
          “Zvirikubva kunaamai vemwana waakasiya, Natalia.”
          “Natalia, hanzvadzi yaChiremba Kadoro, uyo akatiza munyika muno mwedzi mina yapfuura, ndokuzosungwa asvika kuUK?” Muramba akabvunza zvakare. “Saka Herbert akasiya mwana?”
          “Herbert akasiya vana vatatu,” ndakadaro.
          Muramba akambofunga. “Ehe, pachivanhu, anekodzero yekuva mudzimu. Asi, VaMutsepeshi, makambonzwa here dimikira rekuti, Kuombera ngozi muchiti mudzimu?”
          “Hongu, mutikitivha,” ndakadaro. “Asi, handisi kunyatsoona kuti zveguva raHerbert zvinei nezvekuvavhampaya kwake?”
          “Asi hamuna kuverenga rondedzero yeuvhampaya here? Hamuna kuona pakanzi mufi anenge avevhampaya haakwanisi kupinda mumba maanenge asina kukokwa. Asi kana achinge akokwa zvake, anouya paanenge adira.”
          “Saka munoreva here….”
Baba Antonescu ndivo vakapidura neChirungu. “Munofanira kurega kurova guva uku. Herbert arikutsvaga nzira yekudzoka kumusha! Mukamudana chete kuti apinde mumusha menyu, muchadana chikara chenyikadzimu! Musha wenyu uchava muzinda weupi usina akamboona munyika muno.”

Comments are closed.